Accessibility links

Breaking News

Muzvare Makoni naMai Chisamba Vosungwa neMapurisa


Mutungamiri weGirl Child Network, Muzvare Betty Makoni, pamwe naAmai Rebecca Chisamba, avo vanoshandira kambani yehurumende ye Zimbabwe Broadcasting Corporation vasungwa. Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Thomas Chiripasi, vaviri ava vari kupomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevana.

Vaviri ava vaswera pakamba yemapurisa yeHarare Central vachibvunzurudzwa pamusoro penyaya yavari kupomerwa. Muzvare Makoni vanonzi vasungirwa kumahofisi avo ari kuChitungwiza vachipomerwa mhosva yokunzi vakabika chirongwa chevana vakabhinywa vakachishandisa. Ukuwo Amai Chisamba vari kupomerwa mhosva yekuburitsa chirongwa ichi pa ZBC TV munguva shoma yadarika. Chirongwa ichi, icho chinopakurirwa veruzhinji manheru eMugovera wega-wega na Amai Chisamba, chinodaidzwa kuti "Amai Chisamba Show" uye chinotaura zvinobatabata magariro evanhu.

Gweta revaviri ava, VaTafadzwa Mugabe, avo vanoshanda nesangano rinorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, vaudza Studio 7, kuti vaviri ava vari kupomerwa mhosva yokutyora kodzero dzevana vadiki vakaburitswa pachirongwa ichi. VaTafadzwa Mugabe vati vaviri ava vapomerwa mhosva yekutyora chikamu chemutemo we Criminal Procedures and Evidence Act (Section 197.

Zvinonzi vaviri ava havana kuchengetedza kodzero dzevana ava, nokuti havana kuvanza zvakare mazita evechidiki ava sezvinodiwa nemutemo we Minors Act. Vaviri ava vakatarisirwa kumiswa pamberi pedare neChishanu.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, VaOliver Mandipaka, kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi. Hatinawo kukwanisa kutaura nemukuru we ZBC, Va Henry Muradzikwa, kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Aka ndeke chipiri mukati memasvondo maviri Muzvare Makoni vachisungwa nemapurisa. Vakambosungwa vachipomerwa mhosva yokushanda nezvizvarwa zviviri zveku America zvaipomerwa mhosva yokutora mifananidzo zvisina rezenisi kubva ku Media and Information Commission kana kuti MIC. Pasi pemutemo we AIPPA, munhuwese anopinda munyika achizoita basa rokutora mifananidzo anofanira kupihwa rezenisi renguva pfupi, kana kuti temporary accreditation ne MIC.

Asi zvizvarwa zveku America izvi zvaiti zvaishandira sangano rinorwira kodzero dzevana uye zvaiti zvainge zvisiri vatori venhau. Zvizvarwa zveAmerica izvi zvakadzingwa munyika kunyange hazvo dare repamusoro re High Court rainge rati zvisamanikidzwe kubuda munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG