Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kutarisirwa kuita hurukuro nemutungamiri wehurumende yeAustralia, VaJohn Howard neChishanu.
VaTsvangirai, avo vari kushanya kuAustralia mushure mekukokwa nehurumende iyi, varamba mashoko ari kutaurwa nehurumende ekuti vakaenda kunokurudzira nyika dzekunze kuti dzitemere Zimbabwe zvirango zvehupfumi.
VaTsvangirai vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Blessing Zulu kuti vari kufamba vachitaura nezve matambudziko akatarisana nenyika uye kuti vamwe vangabatsira sei Zimbabwe iyo yapinzwa mumadhaka naVaMugabe.