Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voita Chipatapata Kunochera Mangoda Papurazi raVaBennet


Kwaita chimwe chipatapata chekuchera madiamond, ayo ava kuzivikanwa nezita rekuti ngoda, kuChimanimani, papurazi reCharleswood.

Purazi iri rakatorerwa mubati wehomwe weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaRoy Bennet. Mashoko anoti vanhu vakawanda vari kumhanyirako kunochera zvisiri pamutemo madiamond aya, ayo akambopfumisa vanhu mwedzi yapfuura munzvimbo dzakapoteredza Mutare, kusanganisira kwaChiadzwa kuMarange.

Vane ruzivo nezviri kuitika paCharleswood vanoti kucherwa kwemadiamond uku kuri kutungamirwa nevakuru vemuchiuto.

Purazi raVaBennet rakatorwa zvine chisimba muna 2003, uye riri kurimwa nemumwe mukuru wemauto anozivikanwa saMajor Masabeya, uyo anzi anobvawo kwakare kuManicaland.

VaBennet, avo vave muhupoteri kuSouth Africa, vaudza Studio 7 kuti bato reZanu PF riri kushandisa mari iri kuwanikwa kubva muma diamond aya senzira yekutsvaga rutsigiro pasarudzo dzegore rinouya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG