Accessibility links

Breaking News

CHRA Inomisa VaPrecious Shumba Basa

Sangano rinomirira vagari vemuHarare reCombined Harare Residents Association, CHRA, ramisa basa vanga vachishanda semutauriri waro, VaPrecious Shumba, richivapomera mhosva yekusashanda zvakanaka, uye kusiya gwara rebasa ravo.

VaShumba vanoti varamba kutambira tsamba yekuvamisa basa, iyo vati yanyorwa naChief Executive Officer weCHRA, VaBarnabas Mangodza.

Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaMangodza, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

VaShumba vaudza Jonga kandemiiri weStudio 7 kuti vachatora matanho akakodzera mukupikisa kumiswa basa kwavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG