Accessibility links

Breaking News

Muzvare Makoni Vanosungwa Pamwe Chete neZvizvarwa zvekuAmerica

Mapurisa asunga mutungamiri we Girl Child Network, uye vari sachigaro we Womens’ Coalition, Muzvare Betty Makoni, pamwe nezvizvarwa zviviri zveku America.

Vatatu ava varipa Harare Central Police station, apo vatorwa ma finger prints. Vane ruzivo rwezviri kuitika vanoti mapurisa atorawo matiketi endege ezvizvarwa zvekuAmerica izvi.

Gweta riri kumirira vasungwa vatatu ava, VaDzimbahwe Chimbwa, vanoti vanoti zvizvarwa zviviri zveku America zviri kupomerwa mhosva yekuita basa revatori venhau zvisina mvumo, pasi pemutemo weAIPPA. Asi zvinonzi Muzvare Makoni varegedzwa vachienda kumba neChitatu manheru. Hazvisati zvozivikanwa kuti nyaya yanga ichipomerwa Muzvare Makoni ichiripo here kana kuti kwete.

Vakuru vekumizinda weAmerica uri muZimbabwe, vanonzi vakaswera vachitaura nemagweta, vachitsvaga nzira dzekuti zvizvarwa izvi zviburitswe muhusungwa.

Zvinonzi vatatu ava vakaonekwa vachitora firimu pamba pamuzvare Makoni neChpiri. Mutungamiri we Women’s Coalition, Muzvare Netsai Mushonga, vanoti makamera evatatu ava akatorwa zvakare nemapurisa neChipiri.

Zvinonziwo mapurisa anosvika gumi nemashanu akaswera zuva rese neChipiri achibvunzurudza Muzvare Makoni neshamwari dzavo, ndokuvaregedza kuti vadzokere kudzimba dzavo. Zvinonzi vatatu ava vatorwazve nemapurisa neChitatu.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naMuzvare Mushonga kuti vatitsanangurire zvaitika kuHarare Central Police Station.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG