Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopa Makambani Anouraya Mombe Marezenisi


Makambani anoita basa rekuuraya mombe anosvika makumi mana nemaviri, apihwa mvumo yekuita basa iri. Gurukota rinoona nezve kutengeserana, VaObert Mpofu, vanoti makambani aya achange achishanda neCSC, iyo yakapihwa masimba ekuita basa iri.

Hurumende yakambenge yatorera makambani ose anouraya mombe, marezenisi ekuita basa iri. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMpofu, asi mumwe anotengesa nyama muBulawayo, VeAlex Goosen, vanoti makambani apihwa mvumo yekuuraya mombe, iMatetsi Meats, inova kambani yaVa Mpofu, iyo yavakatorera mumwe murungu muna 2004.

Doctor Godfrey Kanyenze ndivo mutungamiri weLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza VaKanyenze kuti vanofungei nekudzokera mashure kwaita hurumende panyaya iyi .

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG