Accessibility links

Breaking News

ZANU-PF Yovhiringa Nhaurirano Nekuvandzudza Bumbiro Remitemo Yoga?

Dare reparamende riri kutarisirwa kutangazve basa neChipiri. Nyaya dzinenge dziri mudariro dzinosanganisa yekuvandudzwa kwebumbiro remitemo kana kuti Constitutional Ammendment Number 18, pamwe nekuzeya mutemo unopa vanhu vatema, masimba ekutora zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana mumakambani ose ari munyika.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti paramende ikaenderera mberi neConstitutional Amendment Number 18, zvinogona kukanganisa nhaurirano dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Panhaurirano idzi, nyaya yebumbiro remitemo idzva ndiyo iri pamusoro soro pezviri kudiwa neMDC, ichitsigirwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu. Asi vachivhura paramende mwedzi wapera, VaMugabe vakti hurumende yavo iri kuenderera mberi nekuvandudza bumbiro remitemo muparamende, sezvakarongwa nebato ravo .

Zanu-PF iri kuda kuti sarudzo dzemutungamiri wenyika,dzenhengo dzeparamende pamwe nedzemakanzura, dziitwe pamwe chete. Bato iri riri kudawo kuti kana mutungamiri wenyika asiya basa, paramende ipihwe masimba ekusarudza anomutsiva.

Asi pane mashoko ari kubva kuSouth Africa anoti VaMbeki vange vachida kuti kana ZANU-PF yaramba kuvandudza bumbiro remitemo rose zvaro, vaizokurudzira kuti mapato maviri aya awirirane panyaya yeConstitutional Ammendement Number 18. Asi ZANU-PF inoti haisi kuzodzokera shure panyaya iyi.

Sachigaro weNCA, uye vari nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo yenyika, Doctor Lovemore Madhuku, vanoti ZANU-PF yagara isingakoshese nhaurirano.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG