Accessibility links

Breaking News

SADC Yosunga Homwe Ichiti VaMugabe Vachinje Maitiro


Sangano reSADC neChishanu rakapedza musangano waro muLusaka Zambia. Musangano uyu wabuda nechisungo chekuti hurukuro dziri kutungamirwa naVaThabo Mbeki dzinofanira kuitwa nechimbi chimbi kuti kana poitwa sarudzo dzegore rinouya pasava neanoti dzabirwa.

SADC yatiwo makurukota ezvehupfumi muSADC, anofanira kushanda pamwen ehurumende yeZimbabwe kuti ayedze kugadzirisa nyaya yehupfumi muZimbabwe iyo isina kumira zvakanaka.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti kunyange hazvo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakatambirwa nemufaro neChina, zvinonzi vakazooneswa ndondo mumisangano yakaitwa pasina vanhuwo zvavo vaivepo.

Hurumende yeZimbabwe yange ichida rubatsiro rwemari nechimbichimbi kubva kuSADC kuitira kuti itenge mafuta ekufambisa nezvekudya. Asi SADC inoti inoda kuona Zimbabwe ichivandudza zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika sezvo kungoipa mari kuri kusungirira mari iyi pagumbo reingwe.

Zimbabwe iri kuramba yakatsika madziro panyaya yekuvandudza zvinhu munyika, izvo zvava kupa kuti nyika dzakaita seZambia, South Africa neBotswana, dziti hadzisi kufara nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kupinda munyika dzavo zvichitiza nzara uye kurohwa.

Pamusangano uyu, SADC yakaparurawo chirongwa chemauto anochengetedza runyararo kuchamhembe kwe Africa.

Hurumende yeAmerica inoti inotsigira hurongwa hweSADC hwekutsvaga nzira dzekupedza matambudziko akatarisana neZimbabwe. Vati zviri kuitwa neSADC zvinoratidza kuti dunhu iri riri kushushikana nemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe, izvo zvinogona kuvhiringa kugara kwakanaka kwevanhu vemudunhu iri.

Mutauriri webazi rinoona nezve kunze kweAmerica, Va Sean McCormack hurumende yavo haisi kufara sezvo VaMugabe vasina kubuda pachena vachizvipira kugadzirisa gakava rezve matongerwo enyika riri muZimbabwe.

VaMcComarck vatiwo kusazvipira kweZanu PF pahurukuro dzekutsvaga nzira dzekugadzirisa gakava iri, kunoita kuti zvinhu zvisafambe nenzira kwayo. Vati VaMugabe vari kuramba vachidzvanyirira vanovapikisa, kusanganisira vemachechi, vemabhizinesi, pamwe neve,asangano akazvimirira.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG