Hurongwa hwe mobile voters registration exercise huri kupera Chishanu, pasina tarisiro yekuti hurongwa uhwu hungangowedzerwa mazuva sezvanga zvichikurudzirwa nevamwe vanoongorora nezvekufambiswa kwesarudzo.
Registrar General, Va Tobaiwa Mudede, vakati havaoni paine chikonzero chekuti hurongwa uhwu huwedzerwe mazuva, sezvo vanhu vachikwanisa kunonyoresa chero ipi nguva zvayo.
Asi National Director ve Zimbabwe Election Support Network, Mai Rindai-Chipfunde-Vava, vanoti hurongwa uhwu, hauna kufamba zvakanaka, uye vanotyira kuti veruzhinji havazokwanisi kufamba nzendo dzakareba kuti vanonyoresa kuti vazokwanise kuvhota musarudzo dzegore rinouya.
Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro naMai Chipfunde Vava avo vanoti vamwe havana kuwana mukana wekunyoresa sezvo motokari dzaifamba munzvimbo dzakatsaukana, dzanga dziri shoma, uye hapana kushambadzwa zvakakwana nezvehurongwa uhwu, kuti vanhu vaziye kuti motokaro idzi dzichasvika riini munzvimbo idzi.