Accessibility links

Breaking News

Munhu Anofa muBulawayo Pamhirizhonga Yekutenga Shuga

Mumwe security guard anochengeta Entumbane Shopping Complex muBulawayo, afa neChitatu mushure mekunge adonerwa nemudhuri apo vanhu vanga vachisundana zvine simba vachida kutenga shuga muchitoro chekwa OK.

Zvinonziwo mukomana ane makore gumi, akuvadzwa gumbo rake zvakaipisisa pamhirizhonga iyi, akabva aendeswa kuchipatara. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa pane zvaitika pa Entumbane Shopping Complex..

VaPeter Dube mugari wemuBulawayo, uye vanoti vaona mhirizhonga iyi ichiitika.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaDube kuti tinzwe zvaitika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG