NeMuvhuro, South Africa yakaramba kuita hurongwa hwekuvakira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutizira munyika iyi, makamba evapoteri, ichiti kuita izvi kukanganisa mitemo yeUnited Nations.
Gurukota rezve mukati meSouth Africa, Amai Nosiviwe Mapisa-Nquakula, vakati ruzhinji rwezvizvarwa zveZimbabwe huri kupinda munyika iyi zvisiri pamutemo, vanhu vari kutsvaga kurarama zvisinei nezvematongerwo enyika.
Vakatiwo vanhu ava havasi kuda kugara muSouth Africa zvachose, nokudaro havafanirwe kutorwa sevapoteri.
Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika muSouth Africa, VaHermann Hanekom, vanoti vanhu vemuZimbabwe havasi kushungurudzwa, asi kuti vari kutyisidzirwa.
Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari sachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti chinofanirwa kuitwa nenyika yeSouth Africa kupatsanura vanhu vari kutsvaga hupoteri nevari kutsvaga kurarama munyaya dzeupfumi.