Accessibility links

Breaking News

Nyaya ye Zimbabwe Yotsviriridza muLusaka


Nyaya yeZimbabwe iri kutsviriridza pamusangano weSADC uri kuitirwa mu Lusaka kuZambia, apo sangano iri riri kugadzirira musangano wevatungamiri venyika dzemuSADC, uri kutarisirwa kutanga nemusi weChina.

NeChipiri, gurukota rinoona nezvemitemo, Va Patrick Chinamasa, vakataura panhepfenyuro ye Radio Phoenix kwemaawa mairi, vachitsanangura kuti matambudziko ari muZimbabwe, ari kukonzerwa nekusafamba zvakanaka kwenyaya ye minda, vachipomera mhosva kune nyika dzakaita seBritain.

Ukuwo mutevedzeri wemutungamiri weMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Muzvare Thokozani Khupe, vaudzawo vatori venhau muLusaka, kuti vachiri kuvimba nehurukuro dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Asi vati bato ravo riri kukumbira SADC, kuti iwedzere vamwe vatungamiri vedzimwe nyika dzemuSADC, kuti vabatsirane naVa Mbeki, sezvo matambudziko ari muZimbabwe, achida rubatsiro rwakanyanya.

Zvichakadaro, sangano reHuman Rights Watch, rabuditsawo gwaro, ravari kuendesawo kuvatungamiri veSADC. Sangano iri riri kukumbira kuti vatungamiri veSADC vatore matanho akasimbarara panyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

VaWilbert Mandinde vanorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda neMISA-Zimbabwe.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaMandinde kuti tinzwe kuti vanoti kudii, nemashoko ari mugwaro iri.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG