Accessibility links

Breaking News

VaMbeki Vokonzeresa Mutauro Mukuru Kumusangano weSADC


Musangano weSADC waenderera mberi muLusaka Zambia neMuvhuro. Makurukota enyika dzemuSADC, pamwe navana chipanga mazano, vari kuzeya nyaya dzakasiyana siyana, uye kugadzira nyaya dzichakurukurwa nevatungamiri venyika dzemu SADC pavachasangana svondo rino.

Acting Chief Director ve Infrastructre muSADC, Va Remmy Makumbe, vati musangano uyu uchabata bata hurongwa hweSADC munyaya dzakaita sedzeHIV/AIDS, budiriro, pamwe nekutengeserana.VaMakumbe vati zviri kuzeyiwa nemakurukota zvichaturwa kuvatungamiri venyika dze muSADC, uyo uchatanga nemusi weChina.

Dzimwe nyaya dzakakosha dzichataurwa nezvadzo dzinosanganisira gakava rezve matongerwo enyika riri muZimbabwe. Mutungamiri we South Africa, VaThabo Mbeki, avo vakaitwa mutongi gava panyaya yeZimbabwe, vari kutarisirwa kuudza nyika dzemu SADC zvavabuda nazvo panyaya yeZimbabwe.

Patove nemashoko anoti VaMbeki vane gwaro ravakanyora pamusoro pezviri kuitika muZimbabwe. Mugwaro iri, VaMbeki vanonzi vari kuti ZANU-PF ne MDC dzava pedyo nekuwirirana, uye rinoshora Britain iyo iri kunzi ndiyo iri kukonzera matambudziko ari muZimbabwe.

Doctor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba abata VaMakumbe ndokutanga nekuvabvunza kuti zvii zvingatarisirwa kubuda pamusangano we SADC uyu.

Zvichakadaro, MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, yanga yakatarisirwa kusangana neMuvhuro nebato riri kutonga muZambia re Movement for Multi-Party Democracy, kana kuti MMD.

Vachange vachimirira MMD, vanosanganisira munyori mukuru webato iri, VaKataele Kalumba. MDC inoti iri kuda kuudza bato iri chokwadi chiri kuitika muZimbabwe.

Nhengo dze MDC dziri muZambia dzinosanganisira mutevedzeri wemutungamiri weMDC, Muzvare Thokozane Khupe, sachigaro webato iri, VaLovemore Moyo, mutevedzeri wemubati wehomwe, Va Elton Mangoma, pamwe nemunyori anoona nezve kudyidzana nedzimwe nyika, Professor Eliphas Mukonoweshuro.

Mutori wenhau we Studio 7, Patience Rusere aita hurukuro na Professor Mukonoweshuro kuti tinzwe zviri kuitika muZambia.

Tichiri pane zviri kuitika ku Zambia, masangano akazvimirira oga, ari kuronga kuendesa gwaro kumusangano we SADC. Gwaro iri ndere kuratidza kupokana kwavo nemashoko aVaMbeki, pamusoro pezviri kuitika muZimbabwe.

Mamwe mashoko anoti masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kurongawo kuratidzira vachiti havasi kugutsikana nemabatirwo ari kuitwa nyaya yeZimbabwe neSADC.

Reverend Nicholas Mkaronda ndivo cordinator ve Crisis in Zimbabwe Coalition mu South Africa, uye vari muZambia.

Carole Gombakomba westudio7 aita zvakare hurukuro naReverend Mukaronda kuti tinzwe zvizere nezvenyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG