Nhengo dzeMDC dziri kupomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende nechisimba nehugandaga, dzamiswa pamberi pedare neChishanu, dzikanzi dzidzokezve kudare musi wa 8 Gumiguru.
Dare rati vanhu ava vadzoke kudare sezvo hurumende ichiri kuda kutsvaga humwe humbowo. Vamwe vari kupomerwa mhosva idzi mumiriri weGlen View muparamende, VaPaul Madzore, mutevedzeri wemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongerwoenyika, VaMorgan Komichi, sachigaro weChitungwiza VaShame Wakatama, VaDennis Murwira nevamwe.
VaAlec Muchadehama ndivo gweta riri kumirira nhengo dzeMDC.
Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMuchadehama kuti vatiudze zvaitika kumumatare edzimhosva.
Zvichitevera mutongo wakapihwa nemutongi wedare repamusoro, Va Lawrence Kamocha, wekuti hurumende yakanyepa pakupomera vanhu ava mhosva, Patience Rusere weStudio7 ataurawo negweta rinoshanda ne Zimbabwe Lawyers for Human Rights, VaTafadzwa Mugabe, kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya yavo.