Accessibility links

Breaking News

Zambia Yonetsekana Nehuwandu Hwevanhu vemuZimbabwe Vopinda Munyika Iyi


Bazi rinoona nezve kupinda nekubuda kwevanhu muZambia rinoti riri kushushikana nekuwanda kwave kuita vanhu vari kubva kuZimbabwe, vachpinda muZambia kuti vatenge zvinhu munyika iyi.

Mutauriri webazi iri, Amai Mulako Mbangweta, vakati kuti hurumende yavo iri kutyira kuti kuwanda kwevanhu vemuZimbabwe munyika iyi, kungangounza matambudziko munyika mavo.

Zambia inoti vanhu vari kupinda muZambia vachipfuura nemu Livingstone, vave kusvika chiuru pazuva rega rega. Zvisinei, vamwe vanoita basa rekutenga nekutengesera zvinhu mu Zambia, vanoti hurumende yeZambia, haisi kufara nekuti vanhu vemu Zimbabwe vari kupota vachitengesera zvinhu zvavo muZambia, vasina mvumo.

Amai Vimbai Mgijima ndivo mutungamiri we Zimbabwe Chamber of Informal Economy Association.

Amai Mgijima vaudza Carole Gombakomba we Studio 7 kuti ichokwadi kuti vanhu vari kupinda muZambia vawandisa nekuda kwekushaikwa kwezvinhu muZimbabwe. Asi vati havatenderani nezviri kutaurwa ne hurumende ye Zambia, kuti vanhu ava, vangango konzera muchokoto.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG