Accessibility links

Breaking News

Ongororo yeZESN Yoburitsa Zvimhingamupinyi


ZESN inoti hurongwa hwe mobile voters registration, hwakazara nezvinetswa. Sangano iri, iro rinoongorora nezvesarudzo, rabuda negwaro rinotsanangura zvavanoti hazvina kumira zvakanaka. Mugwaro iri, Zesn iri kukurudzira hurumende kuti iwedzere mazuva kuitira kuti vanhu vazhinji vakwanise kunyoresa kuti vavhote kana kuwana zvitupa, nemamwe magwaro.

Ongororo yeZESN, inoratidza kuti mudzimwe nzvimbo dzakaita se Matebeleland, madzishe, haasi kupa vanhu matsamba ekuratidza kuti vanogara mudunhu ravo, kuitira kuti vakwanise kunyoresa sevavhoti.

ZESN inoti zvakare, mushure mechirongwa ichi, zvakakodzera kuti pazoitwa zvakare humwe hurongwa hwe mobile voters registration, kunyanya kana miganhu yatarwa sarudzo dzisati dzaitwa.

ZESN inotiwo haisati yawana humbowo hwakakwana hwekuti mauto nemapurisa ari kushandiswa nehurumende muchirongwa ichi, sezviri kutaurwa mudzimwe nzvimbo dzakaita se Masvingo.Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuneve Zimbabwe Electoral Commission nezvenyaya iyi.

Amai Rindai Chipfunde-Vava ndivo national director ve ZESN.

Mutori wenhau we Studio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro naAmai Chipfunde-Vava nezveongororo yavo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG