Accessibility links

Breaking News

WFP Yotsvaga US$118m Yekutengera Vanhu Chikafu

Sangano rinopa chikafu pasi rose, reWorld Food Program, rinoti riri kutsvaga mari inoita US$118 million, kuitira kuti ikwanise kutenga chikafu chekupa vanhu vemuZimbabwe. Pari zvino WFP inoti yava neamari inoita US$70 million iyo ichashandiswa pakutengera vanhu vemuZimbabwe chibage.

WFP inoti yanga ichitarisira kupa chikafu vanhu mazana matatu ezviuru, asi yaona kuti vanhu vari kuda chikafu vanodarika mamiriyoni matatu.

Mari iri kudiwa ne WFP ichatenga chikafu chinorema 207 000 metric tonnes.

VaZvidzai Maburutse vanoshanda neAction Aid kuchamhembe kwe Africa.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMaburutse kuti tinzwe zviri pfungwa dzavo pane zviri kutaurwa neWFP.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG