Accessibility links

Breaking News

Mvura Yonetsa Kuwana muHarare


Dambudziko rekushaikwa kwemvura muguta reHarare rasvika pakaipa, izvo zvingangopedzisira zvokonzera zvirwere.

Bepanhau repa internet reku South Africa, re News24, rinoti vagari vemuHarare vanonzi vava kutsvaga mvura munzvimbo dzakaita semahofisi ehurumende.

Mutauriri weCombined Harare Residents Association, VaPrecious Shumba, vanoti nhamo yemvura yanetsa zvikuru zvekuti dzimwe nzvimbo dzavakupedza mazuva akawanda dzisina mvura.

VaShumba vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Patience Rusere kuti dambudziko remvura riri kukonzerwa nebazi rehurumende reZinwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG