Accessibility links

Breaking News

VaChombo Vorambidza Masangano Kupa Vanhu Chikafu kuMash West

Gurukuta rezve maguta nekuwanikwa kwedzimba, VaIgnatius Chombo, vanonzi vakaudza makanzuru ekuMashonaland West kuti vasabvumidza masangano akazvimirira oga kupa vanhu chikafu.

VaChombo vanonzi vakataura mashoko aya pamusangano wavakaita nemakanzura ekwaZvimba. Mashoko aya anotevera nhau dzekuti pane vanhu vanosvika mamriyoni mana vakatarisana nenzara gore rino.

Mutauriri weNational Association of Non-Governmental Organisations, VaFambayi Ngirande, vanoti pane masangano ari kudzingwa munzvimbo dzakaita seMasvingo, Matebeleland nekuMudzi.

VaNgirande vanoti havakwanise kutaura mazita emasangano aya.

Patience Rusere weStudio Seven atanga kubvunza vangirande kuti izvi zviri kuitika munzvimbo dzipi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG