Hurumende yeAmerica, inoti ine hurongwa hwekuwedzera zvirango zvehupfumi zviri kutemerwa vatungamiri vehurumende, nhengo dzeZANUPF pamwe nevatsigiri vavo.
Assistant Secretary of State for African Affairs, Muzvare Jendayi Fraser, vanoti hurumende yeAmerica, icharamba ichipa rubatsiro kuruzhinji rweZimbabwe, sezvayaita neChishanu muHarare, umo yapa vadzidzi makumi maviri vanobva kumhuri dzinoshaya, rutsigiro rwemari inoita mamiriyoni mana nechidembu chemadhora ekumAmerica, kana kuti 4,5 million US dollars ichashandiswa muzvidzidzo zvavo zvepamusoro soro kuAmerica.
Sekutaura kuri kuita mutori wenhau dzeStudio7, Irwin Chifera, rubatsiro urwu runopihwa pasi pechirongwa cheUnited States Achivevers Programme kana kuti U.S.A.P.
Zvichakadaro, zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika zana, zvaratidzira, pamwe nekuendesa magwaro kuvatungamiri vepa Wits University muSouth Africa, vachiti vanoda kuti vadzinge vana vevatungamiri vehurumende, pamwe nevenhengo dzeZANU-PF pachikoro ichi.
Svondo rapera, Zimbabwe Action Group yakedza kuratidzira, pamwe nekuendesa chikumbiro ichi, asi yakadziviswa kuita izvi nemapurisa.
VaRemember Moyo ndivo sachigaro we Zimbabwe Action Group.
Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVa Moyo avo vanoti nhasi vabudirira pakuendesa chikumbiro chavo.