Accessibility links

Breaking News

VaMadzore Vanobudiswa Muhusungwa


Mumiriri weGlen View muparamende, VaPaul Madzore pamwe naVa Amon Musekiwa, vabuda muhusungwa..

VaMadzore vambomiswa zvakare pamberi pedare vachipomerwa imwe mhosva yekukonzera mhirizhonga gore rapera. Gweta riri kumirira nhengo dzeMDC idzi, VaAlec Muchadehama, vanoti VaMadzore vazoburitswa usiku hweChitatu. Vamwe vaburitswa muhusungwa vanosanganisira mutevedzeri wasachigaro weChitungwiza District, VaShame Wakatama, VaPhilipp Katsande, VaPeter Chikwita, munini’na waVaMadzore, Solomon Madzore pamwe naVaPhillip Mabika.

Vasara vari muhunsungwa ndaVaDennis Murirwa nemutedzeri wemunyori wezvekufambiswa kwemabasa ezve matongerwo enyika, VaMorgan Komichi.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaSolomon Madzore ndokutanga nekuvabvunza kuti vari kunzwa seyi nekubudiswa muhunsungwa kwavaitwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG