Accessibility links

Breaking News

Dare Redzimhosva Rinoburitsa Muhusungwa VaMadzore Nevamwe Vavo


Nhengo dzeMDC gumi neshanu dzanga dziri muhusungwa, dzapihwa neChipiri mukana wekubvisa mari yechbatiso inoita mamiriyoni gumi emadhora pamunhu. Asi zvinhu hazvina kufamba zvakanaka sezvo vanhu vaviri vakwanisa kuburitswa mutorongo, vamwe vakanzi vachatozoburitswa mangwana kana mapepa avo agadziriswa.

Nhengo idzi dzanga dziri muhusungwa kwemwedzi mina. Vasara vari muhusungwa ndaVaDennis Murirwa, pamwe nemutevedzeri wemunyori anoona nezve kufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika, VaMorgan Komichi.

Vaburitswa muhusungwa nedare vanosanganisira, mumiriri weGlen View muparamende, VaPaul Madzore, pamwe nemunini’na wavo, Solomon Madzore, VaPhilip Katsande, VaPhilip Mabika, mukuru wevashandi veMDC, VaKudakwashe Matibiri, VaPineal Denga nevamwe.

Vaburitswa muhusungwa vanzi vagare mudzimba dzavo, magwaro avo ekufambisa, achengetwe nedare, uye vanofanirwa kuenda kumapurisa, zuva rega rega. Varume ava vari kupomerwa mhosva dzekudzidzira zvehugandanga, kukanda zvombo muzvivakwa zvehurumende, pamwe nekuda kubvisa hurumende nechisimba.

Asi vanhu ava vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa. Vanotiwo vakatochwa vari muhusungwa.

VaAlec Muchadehama ndivo rimwe remagweta ari kumirira nhengo idzi dzeMDC.

Patience Rusere weStudio Seven ataura naVaMuchadehama kuti vatiudze kuti nyaya iyi yafamba seyi kumatare edzimhosva..

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG