Madzimai anobva kunyika dzakasiyana siyana, neChipiri akapa humbowo kunhengo ye Congress yemuAmerica, nezvematambudziko akatarisana nevanhukadzi pamwe nevanasikana pakuparadzirwa kwehutachiwana hweHIV/AIDS.
Vataura pamusoro pezviri kuitika muZimbabwe, ndiAmai Lucia Mbofana, avo vanoshanda nesangano re Girl Child Network. Amai Mbofana vapa mienzaniso yekubatwa chibharo kwevanasikana, senzira iri kushandiswa nevanhurume mukuparadzira hutachiwana uhu.
Asi varatidza kutsutsumwa nekuti Zimbabwe haisi pane dzimwe nyika, dziri pachirongwa chakaparurwa nemutungamiri weAmerica, VaGeorge Bush, che PEPFAR, izvo zviri kuita kuti nyika ishaiwe mari yakakwana yekurwisana nehutachiwana hweHIV/AIDS.
Vachitaurawo pamusangano uyu, nhengo yeCongress yemuAmerica, Amai Betty McCollum, vekuMinesotta, vati hurumende yeAmerica, inovimba nevanhukadzi vari kuita mabasa ezve HIV/AIDS munyika dzakatsaukana kuti ivape ruzivo pamusoro zvirikuitika munyika, kuti vagadzirise mitemo yakafanira. Zvichakadaro, chirongwa chePEPFAR, chakatarisira kuwedzera mari yerubatsiro munyaya dze HIV/AIDS, kubva pa 15 US billion dollars kusvika pa 30 US billion dollars.
Mutori wenhau dzeStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naAmai Mbofana, kuti tinzwe zvizere nezvemashoko avo.