Accessibility links

Breaking News

CCZ Inoti Mhuri Yevanhu Vatanhatu Yoda $8.2 million Pamwedzi

Sangano reConsumer Council of Zimbabwe, CCZ, razivisa kuti mhuri ine vanhu vatanhatu yavakuda mari inoita $8.2 million pamwedzi kuti irarame.

Izvi zvinoreva kuti mari iyi yakwira nezvikamu makumi mana nezvipfumbamwe (49%)kubva muzana kana zvichienzaniswa ne$5.5 million dollars yaidiwa nemhuri ine vanhu vamwe chetewo mumwedzi waChivabvu.

Sangano iri rati mari yaitarisirwa kunge ichidiwa nemhuri ine vanhu vamwechetewo mumwedzi waChikumi yaidai yakasvika pa$12.6 million pamwedzi dai pasina kuiswa chirongwa cheOperation Dzikisai Mitengo.

Mari inodiwa pamwedzi iyi iri pamusoro zvikuru pane mari iri kutambirwa nevanhu vazhinji munyika.

Nyanzvi yezveupfumi, uye ichishanda nesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaBothwell Deka, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vashandi vazhinji havambofi vakatambiriswa mari iyi sezvo makambani ari kunetsekawo kuti arambe ari mubhizinesi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG