Hurumende yati iri kutarisira kupa vanhu vanorarama ne HIV/AIDS vanosvika zviuru zana nemakumi maviri mishonga yema AVRs gore rino risati rapera.
Mutori wenhau weStudio 7, Slyvia Manika, anoti mashoko aya ataurwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, apo vanga vachivhura paramende muHarare neChipiri.
VaMugabe vatiwo havasi kuzodzokera shure panyaya yekuvandudza bumbiro remitemo yenyika kuitira kuti sarudzo dzemutungamiri wenyika dziitwe pamwe chete nedzevamiriri veparamende.
Izvi zvabva zvasiya pachena chishuwo cheMDC chekuti nyaya yebumbiro remitemo nyika itauriranwe munhaurirano dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, naVaThabo Mbeki.
Sechave chigariro, VaMugabe vaenda kudare reparamende nemotokari yeRolls Royce, vachiperekedzwa nemabhiza.
VaMugabe, avo vange vachiita sevane kachikosoro, vatizve havasi kuzodzokera shure panyaya yeOperation Dzikisa Mitengo, uye hurongwa hwavo hwekuti vanhu vatema vatore zvikamu zvakawanda mumabhizimisi ose.
Vatizve hurumende dzekunze ndidzo dziri kukonzera matambudziko munyika, kubudikidza nenyaya yezvirango, zvavanoti zvakatemerwa nyika.
Asi zvirango izvi ndezvekufamba zvisineyi nezvehupfumi. Nhengo dzeMDC dzainge dzichimborega kuenda kudare reparamende kana VaMugabe vachitaura, dzaenda kudare nhasi.
Vatsigiri veZanu-PF vakawanda vanga vachiimbira VaMugabe vari panze pedare reparamende iri.
VaErnest Mudzengi vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari National Director weNCA.
VaMudzengi vaudza mutori wenhau Blesssing Zulu kuti VaMugabe havaterere zvinotaurwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, ndokusaka vari kuda kuti vavandudze bumbiro remitemo.