Accessibility links

Breaking News

ZANU-PF Yonetsana Panyaya Yekukumbira Chikafu

Paita ropa rakaipa pakati pevakuru vakuru mubato rezanu-pf panyaya yekukumbira rubatsiro rwechikafu.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachitsigirwa nevamwe vakaita segurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika, VaDidymus Mutasa, vari kuramba kutambira zviri kutaurwa nemagavhuna ekuMatebeleland, Midlands neMasvingo nevamwe vakuru vebato iri munzvimbo idzi, kuti vanofanira kukumbira chikafu nechimbi chimbi sezvo vanhu vari kuziya nenzara.

Asi VaMugabe vanoti hurumende inofanira kutanga yambotsvaga zvekudya munyika dzakaita seMalawi, Zambia uye South Africa, isati yaenda kumasangano ekunze anotsigirwa nenyika dzakaita seAmerica neBritain.

Mutauriri we United Nations Office for the Cordination of Humanitarian Affairs, Amai Elizabeth Byrs, vanoti Zimbabwe haisati yakumbira rubatsiro kunyange hazvo yakatarisana nenzara inotyisa.

Amai Byrs vanoti sangano ravo riri kuda kubatsira mukuwanisa vanhu mvura yakachena nekugadzira masiwegi munzvimbo dzakaita sebulawayo.

VaGlen Mupani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe vari kunyarara.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG