Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoti Haisi Kufara Nehurongwa hwe Mobile Registration

ZESN inoti vamwe vari kuedza kunyoresa mazita kuti vakwanise kuvhota musarudzo dzegore rinouya, vari kunyunyuta nemafambisirwo ari kuitwa chirongwa ichi.

Ongororo yakaitwa neZESN kuMatebeleland neku Lower Gweru, inoratidza kuti, motokari dzinobva kuhofisi ya Registrar General, dziri kufanirwa kupa veruzhinji mukana wekutora zvitupa, ma birth certificate, kunyoresa kuvhota nezvimwe zvakadaro, hadzisi kugara panzvimbo imwe chete kwenguva yakareba, zvekuti vamwe vave kutozodzitevera dzaenda kudzimwe nzvimbo dziri kure.

ZESN inoti mune dzimwe nzvimbo dzakaita sekuzvikoro zveKawondera neDzikamidzi kwaZvimba, motokari idzi dzaingouya kwezuva rimwe chete, zvekuti vanhu vazhinji vainge vasina mukana wekuita zvavaida.

Vamwe vechidiki vari kupihwa zvitupa, vanonzi vari kuchema nerekuti havasi kupihwa mukana wekubva vanyoresa kuvhota mushure mekunge vapihwa zvitupa izvi.

Zvichakadaro, mutauriri we Zimbabwe Electoral Commission, Va Utoile Silaigwana, vakaudza bepanhau re Herald, kuti chirongwa ichi chinofanirwa kupa zvizvarwa zve Zimbabwe zvose mukana wekunyoresa, kana kutora magwaro avanoda muhupenyu hwavo, pamwe nekutivazokwanise kuvhota musarudzo dzegore rinouya.

Muzvare Tsungai kokerai ndivo program manager we ZESN.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naMuzvare Tsungai Kokerai, kuti tinzwe zviri kuitika panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG