Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yorambidza Kutengesa Peturu neDhiziri neMari Yekunze

Hurumende neChina yakazivisa kuti hapachina makambani emafuta ekufambisa achatenderwa kutengesa mafuta nemakuponi kana mari yekunze.

Gurukota rezvemaindasitiri, VaObert Mpofu, vanoti vane makuponi aya vanofanira kutenga mafuta ekufambisa mumasvondo maviri anotevera.

Masangano akazvimirira oga, vane mizinda yekune dzimwe nyika muZimbabwe, uye mapato ezvematongerwo enyika anopikisa akaita seMDC, anonzi achapinda panguva yakaoma sezvo Noczim inenge yave iyo chete inotenderwa kutengesa mafuta.

Vakuru mukambani yeCaltex, avo vange vachitengesa mafuta aya, vanoti vabva vamira kuatengesa. Imwe kambani inonzi Mukuru yange ichitengesa makuponi aya, yatiwo yamira kuatengesa uye haisi kuzodzosera vanhu mari vanenge vatadza kuwana mafuta ekufambisa munguva yatarwa nehurumende.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaJohn Robertson, vanoti vanhu vakawanda vacharasikirwa nemari dzavo uye havaoni Noczim ichikwanisa kutenga mafuta ekufambisa.

VaRobertson vayambirawo kuti nyika ichatarisana nematambudziko sezvo panenge pasisina mafuta ekufambisa. Masangano akazvimirira oga aita musangano wechimbi chimbi neChina kuti aone kuti oita sei nedanho ratorwa nehurumende.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muNANGO, VaFambai Ngirange, vaudza mutori wenhau Blesssing Zulu weStudio 7 kuti hurumende yavagura mabvi sezvo mabasa avo achanetsa kuiita pasina mafuta.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG