Zvichitevera kutadza kuwirirana pakati pezvikwata zviviri zveMDC, nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti zvikwata zviviri izvi, zvingangoita vatungamiri vaviri vachakwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika gore rinouya.
Panga paine kakuwirirana kuti zvikwata zviviri izvi zvive nemunhu mumwe chete anokwikwidzana naVaMugabe, asi zvinhu zvamira nepamwe. Chikwata chinotungamirwa naVaArthur Mutambara chiri kupomera chikwata chaVaTsvangirai nhosva yekusada kuti vabatane. Chikwata chaVaMutambara chinoti VaTsvangirai vakaramba kusaina chibvumirano che Code of Conduct.
VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC inotungamirirwa nava Tsvangirai.
Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaChamisa kuti tinzwe divi ravo panyaya yavari kupomerwa nechikwata chinotungamirirwa naVaMutambara.