Accessibility links

Breaking News

VaGono Vanoti Hurumende Yava Kuzvisikira Moto Muziso


Hurumende iri kuenderera mberi nekumanikidza vemabhizimisi kuderedza mitengo kunyange hazvo gavhuna weRBZ, Va Gideon Gono, vari kuti zvave kuitwa nehurumende hazvina maturo.

VaGono vanonzi vayambira hurumende kuti kuderedza mitengo pasina kunyatsoronga zvinhu, kuzvisikira moto muziso.

Mutauriri wemapurisa, Chief Superintendent Oliver Mandipaka, vanoti kusvika pari zvino pasungwa vemabhizimisi 2, 776, mapurisa mana uye vemakombi 276.

Zvinonziwo mumwe mukuru wekambani yeOlivine, VaPhineas Chingono, vasungwa nemapurisa kunyange hazvo VaMandipaka vati havana kunge vasumwa nyaya iyi.

Zvinonziwo mapurisa neChishanu ainge achifamba munzvimbo dzakawanda mumaruwa achiti vanhu vaderedze mitengo yezvinhu.

Asi vamwe mumaruva vanoti pari kuitwa zvehuori sezvo vanhu vakawanda vari kubva kumaguta vachifamba nemapurisa aya, vari ivo vari kutenga zvinhu.

Mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce, Amai Marah Hativagone, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vemabhizimisi varasikirwa nemari yakawanda zvikuru nekuda kwehurongwa uhu.

Mumwe mugari wemuMbare, VaThomas Kandiyero, vaudza mutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zulu kuti vave kuomerwa nezvinhu izvo zvoshaikwa muzvitoro.

Mune imwewo nyaya, mukutanga kwaNyamavhuvhu gore rino, hurumende inenge yorambidza vanhu nemakambani kuti vapinde munyika nezvekudya zvavanenge vatenga kunze kwenyika.

Ma Statutory Instruments maviri akanyorwa nehurumende, anoti vanhu havachazobvumidzwi kupinda munyika nezvinhu zvakaita semafuta ekubikisa, mukaka, tsvigiri, masamba, gorosi, fotireza, nyama, nezvimwe zvekudya kana vasina mvumo. Ukuwo makambani haachabvumidzwi kutengesera vekudzimwe nyika, zvinhu zvimwe chetezvo.

Asi zvinonzi mhuri dzinobvumidzwa kuunza zvishoma zvinenge zvatengwa nemari isingadariki madhora mazana maviri nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica pamunhu.

Mutungamiri we Zimbabwe Chamber of Informal Economy Association, sangano rine nhengo dzinodarika mamiriyoni maviri dzinotenga zvinhu kunze kwenyika, Amai Vimbai Mgijima, vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Carole Gombakomba kuti zvave kuita hurumende zvichavakanganisa mumabasa avo zvikuru.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG