Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yegadziriro Yesarudzo Yomedzwa Nenyaya Yemitengo

Vanoongorora zviri kuitika munyika, vanoti chipatapata chiri munyika iye zvino, chave kuita kuti pfungwa dzevazvinji dzibve pane zvimwe zvinokosha zvakaita sehurongwa hwekugadzirira sarudzo dzegore rinouya.

Iye zvino vanhu vari kufanirwa kunge vari kunyoresa mazita avo, kuti vakwanise kuvhota, pamwe nekutora zvitupa, kana kugadzirisa magwaro anodiwa kuti vakwanise kuvhota.

Kunyange hurongwa hwekunyoresa, huchiitika makore ese, ve ZESN, pamwe nevamwe vanoongorora sarudzo vanoti zverwendo runo zvakakosha sezvo sarudzo dzegore rinouya dzakanyanya kukoshawo.

ZESN inotiwo nguva yekupinda muvanhu vachinyoresa mazita shoma, sezvo hurongwa uhu huri kupera musi wa 17 muna Nyamavhuvhu.

VaJacob Mafume ndivo National Co-ordinator we Crisis in Zimbabwe Coalition.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaMafume, avo vari kuongororawo mafambiro ehurongwa uhwu.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG