Accessibility links

Breaking News

Machechi Opinda Muvanhu Achinzwa Pfungwa Dzavo


Mubatanidzwa wemasangano emachechi anoti Evangelical Fellowship of Zimbabwe, Zimbabwe Council of Churches neZimbabwe Catholic Bishops Conference, ayo akanyora gwaro rinonzi “The Zimbabwe We Want”, wati wava kupinda muvanhu uchinzwa pfungwa dzavo pamusoro pegwaro iri, kuitira kuti richipetwa.

NeMuvhuro masangano emachechi aya akasangana nevanhu muguta reBulawayo, uye uri kutarisira kusanganazve nevanhu muMmidlands svondo rinouya.

Chinangwa chegwaro iri ndechekuti pave nenhaurirano pakati pemapoka ose ari munyika, kuitira kuti zvinhu zvigadzikane munyika.

Gore rapera masangano emachechi aya akabuda negwaro re”The Zimbabwe We Want” iro rakashoropodzwawo nemamwe masangano pamwe nevamwe vanhu vachiti rakarerekera kuhurumende.

Executive Secretary weHeads of Christian Denominations, Father Frederick Chiromba, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kutambira pfungwa dzinobva kuvanhu nemasangano ose kuti vabude negwaro rinomirira zvido zvevanhu vemuZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG