Accessibility links

Breaking News

World Population Day Yocherechedzwa Pasi Rose

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika neChitatu, pakucherechedza zuva reWorld Population Day. Dindingira regore rino, rinoti Men As Partners In Maternal Health.

Sangano re United Nations Population Fund UNFPA, riri kukurudzira vanhurume kuti vatsigire madzimai avo, kuti awane rubatsiro rwakakwana apo vanenge vaine pamuviri.

UNFPA inoti pasi rose mudzimai mumwe chete ari kufa pamineti yega yega panguva yekusununguka nepamusana pekushaiwa rubatsiro rwakakwana.

UNFPA inoti izvi zviri kunyanyoitika munyika dzisina kubudirira, uye mhuri zhinji dziri kutambura mushure mekurasikirwa naamai vemhuri idzi.

Professor Marvellous Mhloyi, inyanzvi munyaya dzekuongorora huwandu nemagariro evanhu pa University of Zimbabwe.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naProfessor Mhloyi pamusoro pedambudziko rakatarisana nemadzimai akazvitakura.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG