Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vonyomba Vatungamiri Vemakirike


Mufundisi we Roman Catholic, Father Oscar Wemter, vanoti mashoko aVaMugabe, ekunyomba vafundisi sezvimbgasungata, anogumbura zvikuru.

Vachitaura pamusangano weZANU-PF wakaitirwa muHarare neMugovera, VaMugabe vakati vafundisi vari kushanda pamwe nevanopikisa hurumende yavo vachikurudzira nyika dzakabudirira kuti dzibvise hurumende yavo pachigaro.

Father Wemter vanoti mashoko aVaMugabe anoita kuti pasave netariro yanga iripo, yekuti pachave nekutaurirana pakati pevemakirike nehurumende, pakuedza kugadzirisa matambudziko ari munyika iye zvino.

Father Wemter vaudza mutori wenhau we Studio 7 Carole Gombakomba kuti kunyange hazvo vaine mafungiro akasiyana panzira dzekugadzirisa dambudziko riri munyika, ivo VaMugabe nehurumende yavo, havasi kutambirawo kurudziro yevemachechi yekuti varege kudzvinyirira nekutambudza veruzhinji munyika.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG