Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Kudzikiswa Kwemitengo Kosiya Vashandi Vasina Mabasa


Makambani mazhinji anonzi ari kuronga kudzikisa huwandu hwevashandi sezvo hurumende iri kuvamanikidza kudzikisa mitengo yezvinhu, izvo zviri kuita kuti makambani aya atadze kubhadhara vashandi.

ZCTU inoti mamwe makambani akatoudza vashandi kuti angangovhara zvachose sezvo zvaari kuita zvisisina pundutso. Izvi zviri kutika panguva iyo ZCTU iri kuronga kuti iramwe mabasa, ichiratidza kusafara kwayo nemihoro yevashandi.

Mutungamiri weCommercial Workers Union of Zimbabwe, iyo inomirira vashandi vanosvika 40 000, uye vari mutevedzeri wekutanga wemutungamiri weZCTU, Amai Lucia Matibenga, vanoti vari kutya kuti zviri kuitika zvichakonzera kuti vashandi varasikirwe nemabasa.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza Amai Matibenga kuti hurongwa hwehurumende hwekudzikisa mitengo hunovhiringa zvakadii nyaya dzemabasa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG