Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yemitengo Yezvinhu Yotemesa Vanhu Misoro


Nyaya yehurumende yekuti mitengo yezvinhu idzikiswe yave kutoita kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo munyika.

Gurukota rezve maindasitiri, VaObert Mpofu, vanoti vana muzvinabhizimisi havachetenderwi kutengesa zvinhu zvakawanda kumunhu mumwe chete. Izvi zvinotevera kushaikwa kwezvinhu muzvitoro zvakaita seshuga, chingwa, munyu, nenyama, izvo zvave kuwanikwa pamukoto.

Mutungamiri weCZI, VaCallisto Jokonya, vanoti pamusangano wechimbichimbi wakaitwa Chitatu manheru pakati pehurumende nevemabhizimisi, hurumende yakati vemakambani anovhara munguva ino, vachatorerwa mabhizimisi avo. Asi ivo VaJokonya vanoti vakati vanoda mari yekunze uye manyepo kuti vemakambani vari kukwidza mitengo nechinangwa chekuda kupidigura hurumende.

Vamwe vanzi vaderedze mitengo dzevemabhizinesi anoita nezve kushanya kwevanhu munyika.

Mutori wenhau we Studio 7, Blessing Zulu, abvunza CEO weZimsun, VaShingi Munyeza, kuti vanoona sei nyaya yekuderedzwa kwemitengo iyi.

Blessing Zulu aitawo zvakare hurukuro nemugari wekuChitungwiza, VaSilas Masiya, kuti tinzwe kuti zvinhu zvakamira sei munharaunda mavo.

Zvichakadaro, vamwe vana muzvinabhizinesi muHarare nemuChitungwiza, vanoti mapurisa ari kuvavhurisa zvitoro zvavo ivo vatovhara kare, kuitira kuti vatenge zvinhu zvakawanda.

Mumwe muzvinabhizinesi asina kuda kudomwa zita rake anoti mapurisa akamuvhurisa chitoro chake, kuitira kuti atengesere mapurisa aya semende nemari inoita $150 000 pasaga rimwe chete zvisineyi nekuti bhegi resemende ranga rava kutengwa nemari inoita 1.3 million dollars.

Mapurisa aya anonzi akatenga mabhegi esemende anosvika mazana masere. Asi mutauriri wemapurisa, Chief Superintendent Oliver Mandipaka, vati hakuna zvakadaro zvakaitika. Vatiwo havasi kuzopedza nguva vachiongorora zviri kutaurwa navana muzvinabhizinesi.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro negweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaRangu Nyamurundira, vemusangano re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, avo vanoti zviri kuitika izvi, kutyorwa kwekodzero dzavana muzvinabhizimisi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG