Accessibility links

Breaking News

VaMakumbe Vanoti Munyika Munokwanisa Kuitwa Hutongi Hwejechetere

Mutungamiri weAmerica, VaGeorge Bush, vakurudzira zvizvarwa zvenyika yavo kuti zvirambe zvakashinga, uye kuzvipira muhondo iri kuitika kuIraq.

VaBush vataura mashoko aya vachicherechedza kuwana kwenyika yavo kuzvitonga kuzere kubva kuBritain muna Chikunguru 1776.

Mutungamiri weAmerica uyu akurudzirawo kuti vanhu vabatsire misha ine vana vari muchiuto, sezvo mauto ari kuita basa rakanaka rekuchengetedza nyika yavo, iyo vati ine hutongi hwejechetere.

Zvichakadaro, imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika yati hapana zvinotadzisa kuti Zimbabwe itevere gwara rehutongi hwejechetere sehuri kuteverwa muAmerica.

Mudzidzi wezve matongerwo enyika pa University of Zimbabwe, Doctor John Makumbe vati dzimwe nyika dzakakomberedza Zimbabwe dzakaita seSouth Africa dziri kutevera hutongi hwejechetere, asi chiri kutadzisa Zimbabwe kutora gwara iri, humbimbindoga hune vatungamiri venyika, avo vari kurambira pazvigaro.

Doctor Makumbe vataura mashoko aya muhurukuro yavo naJonga Kandemiiri weStudio7 apo vanga vachitarisa zuva rekuwana kuzvitonga kweAmerica, iyo inotevera gwara rehutongi hwejechetere.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG