Accessibility links

Breaking News

Students Solidarity Trust Inoti Kushungurudzwa Kwevadzidzi Kuri Kuenderera Mberi


Sangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwevadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro, re Solidarity Students Trust,SST, rinoti vadzidzi vanodarika zana nemakumi mana vakashungurudzwa pamwe nekurwadziswa nevasori, masoja, pamwe nemapurisa.

SST inoti vakanyanya kushungurudzwa vadzidzi vanobva muguta reBulawayo.

Sangano iri rinoti vadzidzi vanopfuura mazana maviri nemakumi mapfumbamwe vakashungurudzwa kubva kutanga kwegore rino.

VaMasimba Nyamanhindi ndivo Programs Information Officer we Students Solidarity Trust.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaNyamanhindi kuti tinzwe nezve ongororo yavo.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG