Accessibility links

Breaking News

Vemabhizinesi Vooneswa Ndondo neHurumende Panyaya yeMitengo Yezvimhu

Mapurisa, mauto, maCIO uye vechidiki vakapedza zvidzidzo kuma Border Gezi Youth Training Centres, vari kuenderera mberi vachishungurudza vemabhizimisi kuti vadzikise mitengo yezvinhu.

Zvinonzi mapurisa ari kufamba achitsvaga zvinhu zvavari kuti zvakavigwa nana muzvinabhizimisi. Mauto nemapurisa anonziwo aenda neChishanu kuRoad Port muHarare, panokwirirwa mabhazi ekuenda kunze kwenyika, vakasunga vanhu vange vachifungidzirwa kuti vari kutengesa mari yekunze pamukoto.

Hurumende yazivisazve kuti hapana vanhu vachatenderwa kukwidza mari dzemba kana mitero yezvimwe zvivakwa. Asi vemabhizinesi vanoti zviri kuitwa nehurumende hazvishande, uye vachada kusangana naVaMugabe svondo rinouya kuitira kuti vavaudze kuti vachavhara mabhizimisi hurumende ikaramba yakatsika madziro.

Zvinhu zvakawanda zvinonzi zvave kutotengwa pamukoto.

Vaimbove CEO ve Confederation of Zimbabwe Industries, VaFarai Zizhou, vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Blessing Zulu kuti zvave kunetsa kuti vanhu vanyotsotevera zvinotarisirwa panyaya dzehupfumi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG