Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yodududza Pahurongwa Hwekurambidza Kuratidzira muHarare


Mapurisa muHarare ati vezvematongerwo enyika pamwe nemasangano akazvimirira oga vava kubvumidzwa kuita misangano kana kuratidzira muguta reHarare.

Asi mapato ezvematongerwo enyika anosungirwa kutanga apihwa mvumo nemapurisa.

Kubva muna Kurume gore rino hurumende yakarambidza kuratidzira pamwe nekuitwa kwemisangano muHarare ichipa zvikonzero zvekuti mapurisa aityira kuti vamwe vanhu vaizogona kuita mhirizhonga vachishandisa misangano iyi kana kuratidzira uku.

Sachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, vati zvaitwa izvi hazvina zvazvinoreva sezvo mapurisa achingokwanisa kurambidza kuratidzira kana kuita misangano pasi pemutemo wePOSA. VaMadhuku vatiwo mapurisa anokwanisa kunyima mapato ezvematongerwo enyika mvumo yekuti vaite misangano yavo.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaGabriel Chaibva, vatiwo vanotambira chiitiko ichi, asi vati zviri kuitwa nehurumende kuda kuita dzvene panhaurirano dzekutsvaga kugadzirisa zvinetswa zvakatarisana nenyika, idzo dziri kutungamirirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo mbeki.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudzawo Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti ikodzero yemapato ezvematongerwo enyika nemasangano ose munyika kuita misangano pasina kunyengerera mapurisa kana Zanu PF.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG