Nyika dzepasi rose dzarangaririra zuva re United Nations International Day in Support of Victims of Torture.
MuZimbabwe, sangano reZimbabwe Human Rights-NGO Forum, rinoti rakaburitsa ongororo inoratidza kuti kutyorwa kwekodzero dzevanhu kwakaitika kanodarika mazana matatu, kubva kutanga kwegore rino.
Mashoko aya abudiswa pachena Chipiri muBulawayo pamusangano wekurangarira zuva revakatochwa pasi rose. Musangano weChipiri wakarongwa neZimbabwe Human Rights-NGO Forum pamwe ne Crisis in Zimbabwe Coalition.
Vamiriri vemasangano akazvimirira voga eku Malawi, neZambia, pamwe nemasangano emunyika anosanganisira ZESN, NCA, ZINASU, Amani Trust nemamwe, vange varipowo pamusangano uyu.
Archbishop Pius Ncube vakatarisirwa kunamatira vose vakatochwa pakupera pemusangano uyu.
Mutori wenhau we Studio 7, Patience Rusere, aita hurukuro naVaTendai Chabvuta vanoshanda neZimbabwe Human Rights -NGO Forum, pamusoro peongororo yavakaita
Zvichakadaro, masangano anorwira kodzero dzevanhu muAfrica, ayo ari kusangana muAccra kuGhana, acharangarira matambudziko akatarisana nezvizvarwa zveZimbabwe.
Masangano aya, akatarisirwa zvakare kucherechedza zviri kunetsa mu Sudan nemusi weChina. Nemusi weChishanu, svondo rapera, masangano aya, akaendesa gwaro rinotsanangura zviri kuitika muZimbabwe kusangano re African Union.
Misangano yemakurukota emu AU iri kutanga nemusi weChina, uye musangano wevatungamiri venyika dzemu Africa, uchatanga nemusi weSvondo.
Executive Director ve Zimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba , avo vari kuGhana pari zvino, vaudza Carole Gombakomba mutori wenhau we Studio 7 zvizere nezve hurongwa hwemangwana.