Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yodana Vadzidzisi Vayakambodzinga Basa


Sangano rinomirira vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, raparura homwe ichabatsira vadzidzisi vari kurarama nehutachiwana hwe HIV/Aids.

Asi hurumende yakundikana kuuya kuzoona homwe iyi ichiparurwa.

Mutori wedu wenhau, Thomas Chiripasi, anoti VaMajongwe vati kunyange hazvo vanhu vari kuomerwa nehupenyu, vachabvisa mari iyi mwedzi wega wega.

Ukuwo, hurumende yatanga kutora varairidzi vakambomiswa basa nezvikonzero zvakasiyana siyana, senzira yekuedza kurerutsa dambudziko rekushaikwa kwevarairidzi rakatarisana nenyika.

Munyori mukuru mubazi redzidzo, Doctor Stephen Mahere, vaudza Studio7 kuti varairidzi vakamiswa basa nemhosva dzakasiyana siyana kubva mugore ra1980 kusvika gore ra2005, uye vaine makore ari pasi pemakumi mashanu nemashanu pamwe nevarairidzi vakaregedza voga basa, vari kukokwa kuti vanyorere bazi rezvedzidzo vachitsvaga basa.

Doctor Mahere vatiwo vasiri kutambirwa pasi pechirongwa ichi, varairidzi vakapara mhosva dzekuponda uye kubata chibharo pamwe chete nevaya vakamiswa basa nehurwere kana kurwara nepfungwa.

Vati zvakare hurumende yakaona zvakakodzera kuti varairidzi ava vapiwe mumwe mukana wekushandira nyika yavo.

Doctor Mahere varamba kutaura kuti varairidzi vangani vavari kutsvaga. Asi mamwe mashoko atiri kutambira anoti hurumende iri kutsvaga varairidzi vanopfuura zviuru gumi.

Nyika iri kurasikirwa nevarairidzi vakawanda, zvikuru nekuda kwemari shoma dzavanotambiriswa.

Munyori wezvedzidzo muMDC uye, vari mumiriri weChitungwiza muparamende, VaFidelis Mhashu, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanotambira danho ratorwa nehurumende iri asi vakati panofanirwa kutorwa matanho ekudzivirira zvakamboita kuti varairidzi ava vamiswe mabasa pakutanga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG