Accessibility links

Breaking News

ZANU-PF neMDC Dzinobuda neHwaro Hwenhaurirano, Asi Muzvare Frazer Vanoti Hapana Chimuko Chinobuda

Bato reZANU-PF pamwe neMDC dzakabuda neMuvhuro nehwaro huchange huchishandiswa pakutaurirana kuri kutarisirwa kutanga muna Chikunguru. Vakuru muZANU-PF vaudza Studio 7 kuti vari kuda kuti nhepfenyuro dzakaita seStudio 7 ne SW Radio Africa dzirege kutepfenyura uye kuti zvirango zvakatemerwa nyika zvibviswe.

MDC inodawo kuti pavandudzwe bumbiro remitemo yenyika pamwe nemitemo yesarudzo. Mutungamiri we South Africa, VaThabo Mbeki, vave kutarisirwa kunotura kuSADC zvavaita kusvika pari zvino musi wa 30 mwedzi uno pedzozve vozoenda kunotura zvavaita izvi ku African Union.

Vamiriri vemapato maviri aya vachaendesawo zvavabuda nazvo kumapato avo. Kunyange hazvo mapato aya abuda nehwaro hwenhaurirano, munyori anoona nezve Africa muhurumende yeAmerica, Muzvare Jendayi Frazer, avo vari kushanya kuSouth Africa, vanoti havaoni paine chinobuda panhaurirano idzi sezvo dzakamboedzwa zvikakona n’anga murwere achada.

VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezve matongerwo enyika uye vachiita zvidzidzo zvepamusoro paCape Town University vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvekuti nhepfenyuro dzivharwe hazvina nematuro ose.

Masangano akazvimirira oga anoti haasi kufara nekusapinzwa muhurukuro dziri kurongwa pakati peMDC ne ZANU-PF. Masangano aya akasangana nemumiriri weSouth Africa muZimbabwe, Professor Mlungisi Makhalima svondo rapera, vakavapa gwaro repfungwa dzavo pane zvavanofunga kuti ndizvo zviri kuda kugadziriswa munyika.

Mutauriri weSave Zimbabwe Campaign, Pastor Raymond Motsi, vaudza Patience Rusere weStudio 7 kuti havasi kufara nekuvharirwa gonhi nhaurirano dzichiitwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG