Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai naVaMutambara Vobatana Mukushanyira EU


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamira wechimwe chikwata chebato iri, VaArthur Mutambara, vari kutarisirwa kubatana mukushanyira kwavo nyika dzekumavirira, uko vachange vachitaura nezvematambudziko akatarisana nenyika.

Vatungamiri ava vari kufambazve nasachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, uye Bishop Levee Kadenge veUnited Methodist Church, pamwe nemutungamiri we ZINASU, naVaPromise Mkwanazi.

Vatungamiri ava vari kushanyira nyika idzi vari pasi peSave Zimbabwe Campaign. Asi VaMutambara, avo vainge vambotorerwa nemapurisa gwaro ravo rekufambisa, vachiri muSouth Africa, asi vari kutarisirwa kubatana nevamwe vavo munguva pfupi inotevera.

Gwaro raVaMutambara rekufambisa rakatorwa mushure mekunge vatuma nhengo yebato ravo kuti inovatorera vhiza reku Britain muHarare, ivo vari kuSouth Africa.

VaMutambara vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Blessing Zulu kuti Zanu-PF iri kuyedza kudzivisa mapato anopikisa kuti ashandire pamwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG