Accessibility links

Breaking News

Bhiri Remutemo Wekusora Dzinhare, Tsambambozha, Rozeyiwa neSeneti

Dare re House of Assembly rafambisa zvechimbi chimbi neChina kuverengwa kechitatu pamwe nekutambirwa kwebhiri remutemo unopa hurumende masimba ekusora nhare pamwe netsambambozha, kana kuti Interception of Communications.

Bhiri iri rava kutarisirwa kupinda mudare reseneti neChishanu umo richaverengwa katatu, kuitira kuti ritambirwe semutemo. Izvi zvikaitika, bhiri iri rinenge romirira VaMugabe kuti vari saine, kuitira kuti uve mutemo.

Nezuro zvakare, bhiri reSuppression of Foreign and International Terrorism Bill, rakatambirwa neparamende, rikaverengwawo katatu neChina mudare reseneti. Nokudaro zvava kuna VaMugabe kuti vaise ruoko rwavo kuti bhiri iri rive mutemo.

Asi nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti zvaitwa neparamende zvekubata mabhiri aya zvechimbi chimbi, zvinoradza kuti hurumende ine zvairi kuda pakushandisa mitemo yakadai.

Doctor Lovemore Madhuku vanodzisa zvemitemo pa University of Zimbabwe, uye vari sachgaro re nca. Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza VaMadhuku kuti vanofungei nezviri kuitwa muparamende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG