Accessibility links

Breaking News

MDC-Mutambara Inorambidzwa Kuita Misangano kuMashonaland West


MDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara inoti ichagara pasi kuitira kuti ione kuti ingaenderera mberi here kana kuti kwete nemisangano yairi kurambidzwa kuita mudunhu reMashonaland West.

Izvi zvinotevera kunyimwa mvumo kwayakaitwa nemapurisa yekuita misangano kuKaroi nekuChinhoyi.

Bato iri rinoti mapurisa akapa zvikonzero zvekushayikwa kwezvimbuzi panzvimbo yaraida kuitira musangano muKaroi uye kuti nhandare yariri kuda kushandisa muChinhoyi, iri kugadzirwa.

Mutauriri wemapurisa, VaAndrew Phiri, vati havasati vanzwa kune vamwe vavo kuti seyi matanho akadai akatorwa.

Asi MDC yati iyi inzira yehurumende yekuda kurambidza mapato anopikisa kuita misangano mumaruwa.

Mutevedzeri wemutauriri wechikwata ichi, VaAbednico Bhebhe, uye vari mumiriri weNkayi muparamende vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti bato ravo richatevera chirongwa chavo chavakaparura chekusateerera mapurisa, che'Defiance Campaign'.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG