Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC neWOZA Dzoramba Dziri Muhusungwa


Dare reHigh Court raramba neChishanu kutambira chikumbiro chekuti nhengo dze MDC dziri muhusungwa, dzitongwe dzichibva kumba, richiti nyaya iyi idzoke zvakare kudare ra magistrate.

NeChina dare ra magistrates rakaona pasina umbowo hwakakwana, ndokuregerera nhengo dze MDC gumi nenhatu, asi vanomwe vavo chete ndivo vakabuditswa muhusungwa vasina nyaya yavapomerwa. Vamwe vashanu vanosanganisira mumiriri we Glen View muparamende, Va Paul Madzore, vakadzoserwa zvakare muhusungwa, sezvo vaine imwe mhosva yavari kupomerwa zvakare.

Imwe nhengo yeMDC, VaPineal Denga, vakabvisiswa mari yechibatiso.

Rimwe gweta riri kumirira nhengo dzeMDC idzi, Va Andrew Makoni, vaudza Carole Gombakomba weStudio 7, zvaitika mudare guru nhasi panyaya iyi.

Tichiri panyaya dzematare edzimhosva, mapurisa ari kuda kuwedzera nguva yekuti vatungamiri veWOZA, Amai Jenni Williams naAmai Magodongo Mahlangu, varambe vari muhusungwa.

Amai Willaims naAmai Mahlangu vakazvipira kumapurisa muswe weChitatu mushure mekunge vamwe vavo vasungwa apo vairatidzira muBulawayo.

Gweta revaviri ava, VaKossam Ncube, vanoti Amai Williams vari kupomwerwa mhosva yekuronga kuratidzira zvisina bvumo pasi pemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act.

Vamwe vakadzi vashanhu vakasungwa pamwe naAmai Williams, vaburitswa muhusungwa, asi zvinonzi vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaNcube pamusoro penyaya iyi.

Tichiri panyaya yekusungwa kwenhengo dze WOZA, hurumende ye America yashora zvikuru hurumende mabatiro airi kuita nhengo dze WOZA. Mutauriri webazi rinoona nezve kunze kwe America, Va Sean McCormack, vati hurumende yavo haisi kufara nekusungwa kwakaitwa nhengo dze WOZA.

Vatiwo hurumende yaVaMugabe inofanirwa kuburitsa Amai Williams muhusungwa, uye kuti iremekedze mitemo yenyika. VaMcCormack vatiwo hurumende yeZimbabwe inofanirwa kumisa katsika kayo kekumbunyikidza vanhu vanenge vachida kusvitsa zvichemo zvavo kuhurumende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG