Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti, vanoti vachiri kuenderera mberi nenhaurirano dzekuedza kuti vashande vose nechikwata chinotungamirwa naVaArthur Mutambara, paine chinangwa chekuti vabatane.
VaBiti varamba mashoko ari mumamwe mapepanhau ekuti nhaurirano idzi dzainge dzaiswa parutivi nepamusana pekusawirirana.
Vatiwo vakawirirana kuti vanoda kuti munhu mumwe akwikwidze naVaMugabe musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya. Vanotiwo vakatenderana kuti kana voenda kunze kunotaura nevamwe vakuru vedzimwe nyika, vaende vakabatana.
Asi VaBiti vabvuma kuti pane kunetsana panyaya yekutsvaga vachamirira MDC musarudzo dzenhengo dzeparamende, pamwe nedare reseneti. Mutauriri weChikwata chaVaMutambara, VaGabriel Chaibva, vati pari zvino chikwata chavo chambomira kutaura nezvenyaya iyi.
VaGlen Mupani vanoongorora nyaya dzezve matongerwo enyika uye vachiita zvidzidzo zvepamusoro paCape Town University vanoti kubatana kwakakosha kana MDC ichida kukunda musarudzo asi vati zvikasabudirira hazvifanire kumanikidzwa.