Accessibility links

Breaking News

Mitero yeMagetsi Inokwidzwa Zvakare


Kambani yeZimbabwe Electricity Distribution Company yazivisa kuti yakwidza mari dzemitero nezvikamu zvinodarika makumi mashanu kubva muzana, 50.2%.

Kamabani iyi inoti yakwidza mitero yose yemagetsi anoshandiswa mudzimba, pamwe nemaindasitiri, izvo inoti zvinofambirana nekuderera kwehuremu hwemari yemunyika.

Kukwidzwa kwemitero uku kunoitika apo nyika iri kugara nguva zhinji iri murima nekuda kwekudzimwa kwemagetsi kuri kuitwa nekambani iyi.

Michina mizhinji inonziwo yakafa, uye gwenya guru rekuKariba rinonzi riri kugadzirwa kuitira kuti rishande.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaLuckmore Zinyama, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti zvakaitwa neZEDC hazviyamuri sezvo yakakwidza mutengo wechinhu chisipo, uye chaisingakwanisi kupa vanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG