Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Mapurisa Ngaaongorore Zvakare Kutochwa kweVanhu Vari Muhusungwa


Mutongi wedare reMagistate, Amai Gloria Takundwa, neMuvhuro vakaramba kutambira ongororo yakaitwa nemapurisa yekuti mapurisa haana kurova kana kutocha nhengo dzeMDC dziri muhusungwa.

Vachipa mutongo wavo Amai Takundwa vati mapurisa anofanirwa kuongorora zvakare nyaya yavari kupomerwa yekutocha uye kurova vatsigiri veMDC vanosvika makumi matatu nemumwe vavakasunga.

Muongoro yakaturwa mudare, mapurisa akaramba kuti akarova vanhu ava vari muhusungwa.

Mapurisa anoti hapana akaona izvi zvichiitika, vakatiwo vanhu ava vanogona kunge vakarohwa kare vachirwisana nemapurisa mune kumwe kuratidzira kwakamboitika.

VaAlec Muchadehama gweta riri kumirira nhengo dzeMDC vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti vakatyamadzwa zvikuru neongororo yemapurisa.

Mutori wenhau Blessing Zulu akurukurawo naVaIan Makone mumwe weavo vakarohwa uye vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso svondo rapera.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG